Romans 9

Kusarudza kwaMwari

1Ndinotaura chokwadi muna Kristu, handirevi nhema, hana yangu inondipupurira muMweya Mutsvene 2ndino kusuwa kukuru kwazvo neshungu dzisingaperi mumwoyo mangu. 3Nokuti ndinoshuva kuti dai ini pachangu ndaiva munhu akatukwa uye ndakaparadzaniswa naKristu nokuda kwehama dzangu, ivo vorudzi rwangu, 4ivo vanhu veIsraeri. Kuva vana ndokwavo; nokubwinya ndokwavo, nesungano, nokupiwa kwomurayiro, nokunamata Mwari mutemberi uye zvipikirwa ndezvavo. 5Madzibaba ndeavo, uye naKristu akabva kwavari panyama, ari Mwari pamusoro pazvose, anokudzwa nokusingaperi! Ameni.

6Hazvirevi kuti shoko raMwari rakakundikana. Nokuti havasi vose vari zvizvarwa zvaIsraeri vanova vaIsraeri. 7Uye nokuti zvavari vorudzi rwake, vose vana vaAbhurahama. Asi zvinonzi, “Kuna Isaka ndiko kuchatumidzwa rudzi rwako.” 8Namamwe mashoko, havasi vana panyama vanova vana vaMwari, asi vana vechipikirwa ndivo vanonzi vana vaAbhurahama. 9Nokuti aya ndiwo mashoko echipikirwa: “Panguva yakatarwa ndichauya, uye Sara achava nomwanakomana.”

10Kwete izvozvo zvoga, asi kuti naRabhekawo akava navana vomunhu mumwe uye baba vamwe, baba vedu Isaka. 11Asi mapatya asati azvarwa, vasati vaita chakanaka kana chakaipa, kuitira kuti kuda kwaMwari pakusarudza kwake kusimbiswe, 12kwete nokuda kwamabasa asi nokuda kwake iye anodana, akaudzwa kuti, “Mukuru achava muranda womuduku.” 13Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Jakobho ndakamuda, asi Esau ndakamuvenga.”

14Zvino tichatiiko? Mwari haaruramisiri here? Kwete napaduku! 15Nokuti anoti kuna Mozisi:

“Ndichanzwira ngoni wandichanzwira ngoni,
uye ndichaitira tsitsi wandichaitira tsitsi.”
16Naizvozvo, hazvibvi pashungu kana pamabasa omunhu, asi patsitsi dzaMwari. 17Nokuti Rugwaro runoti kuna Faro, “Ndakakumutsira chikonzero ichochi, kuti ndiratidze simba rangu mauri uye kuti zita rangu rigoparidzwa panyika yose.” 18Naizvozvo Mwari anonzwira ngoni waanoda kunzwira ngoni, uye anoomesa mwoyo wouyo waanoda kuomesa.

19Mumwe wenyu angati kwandiri, “Zvino sei Mwari achiramba achitipa mhosva? Nokuti ndianiko acharamba kuda kwake?” 20Zvino iwe munhu, ndiwe aniko, kuti upindure Mwari? “Chakaumbwa chingati kune akachiumba, ‘Wakandiitirei zvakadai?’ ” 21Muumbi wehari haana simba pamusoro pevhu here, kuti nebundu rimwe chetero aite mimwe midziyo inokudzwa nemimwe midziyo isingakudzwi?

22Ko, kana Mwari akasarudza kuratidza kutsamwa kwake, uye kuti azivise simba rake, akaita nomwoyo murefu zvikuru pamusoro pemidziyo yokutsamwira kwake, yakagadzirirwa kuparadzwa? 23Kana akaita izvi kuti azivise kupfuma kwokubwinya kwake kumidziyo yengoni, avo vaakagadzirira kare kubwinya, 24kunyange isu, vaya vaakadana, kwete kubva kuvaJudha chete asi nokubva kune veDzimwe Ndudziwo? 25Sezvaanotaura mubhuku raHosea achiti:

“Ndichavati ‘vanhu vangu’ vaya vakanga vasiri vanhu vangu;
uye ndichamuti, ‘mudikanwi wangu’ iye akanga asiri mudikanwi wangu,”
26uye,

Zvichaitika kuti paya painzi kwavari,
“Hamusi vanhu vangu;
vachanzi ‘vanakomana vaMwari mupenyu.’ ”
27Uye Isaya anodanidzira pamusoro peIsraeri, achiti:

“Kunyange kuwanda kwavaIsraeri kwakaita sejecha regungwa,
vakasara chete ndivo vachaponeswa.
28Nokuti Ishe achaisa
mutongo wake panyika nokukurumidza uye achaupedzisa.”
29Zvakaita sezvakarehwa kare naIsaya achiti:

“Dai asiri Jehovha Wamasimba Ose
akatisiyira zvizvarwa,
tingadai takaita seSodhomu
tingadai takaita seGomora.”

Kusatenda kweIsraeri

30Zvino tichatiiko? Tichati veDzimwe Ndudzi vasina kutsvaka kururama, ndivo vakakuwana, iko kururama kwokutenda; 31asi vaIsraeri vakatevera murayiro wokurarama, havana kukuwana. 32Seiko zvakadaro? Nokuti havana kuutevera nokutenda asi sokunge namabasa avo. Vakagumburwa neibwe “rinogumbusa.” 33Sezvazvakanyorwa zvichinzi:

“Tarira, ndinoisa paZioni ibwe rinogumbusa kuvanhu,
nedombo rinovapinganidza kuti vawe,
uye uyo anotenda kwaari haazonyadziswi.”
Copyright information for SnaBDSC